Jobho 1:1-5
Jobho 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa. Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu, uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva. Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo. Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.
Jobho 1:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu. Uye pfuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva. Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa navo. Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, “Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo;” Jobho aisidaro nguva dzose.
Jobho 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwaiva nomumwe murume munyika yeUzi ainzi Jobhu. Murume iyeyo aiva munhu akarurama, ari pachokwadi, aitya Mwari uye munhu wainzvenga zvakaipa. Akabereka vana vakomana vanomwe uye vasikana vatatu, aiva nehwai zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu nezvipani mazana mashanu amadhonza, namazana mashanu amadhongi makadzi navaranda vazhinji kwazvo, zvokuti aiva nomukurumbira kupinda vamwe vanhu vose vokumabvazuva. Vanakomana vaJobhu vaipota vachiita mabiko mumisha yavo, mumwe nomumwe aine chijanha chezuva rake. Vaindokokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nokunwa pamwechete navo. Paainge mazuva iwayo amabiko apera, Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura. Aifumomuka rungwanani-ngwanani achipira zvibayiro zvokupisa maererano nouwandu hwavo, nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo. Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose.
Jobho 1:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kwakaŋga kunomunhu panyika yeUzi, wainzi Jobo; munhu uyu wakaŋga akakwana, akarurama, waitya Mŋari acinɀeŋga ɀakaipa. Iye wakaɓerekerwa ʋanakomana ʋanomŋe naʋakunda ʋatatu. Ʋuye fuma yake yakaȿika makwai aneɀuru ɀinomŋe, namakamera aneɀuru ɀitatu, neŋombe dzakariŋgana majoko anamazana mashanu, namakadzi emboŋgoro anamazana mashanu, naʋanhu ʋazhinji paimba yake; naiɀoɀo munhu uyu wakaŋga ari mukuru pakati paʋana ʋamabvazuʋa. Ʋanakomana ʋake ʋaisienda kundoita mutambo paimba yomumŋe nomumŋe waʋo pazuʋa rake; ʋaituma kundoɗana hanɀadzi dzaʋo nhatu kuzodya nokunwa naʋo. Ɀino kana mazuʋa okutamba kwaʋo apera Jobo waituma nhume kuʋaɗana ʋanatswe, ɀino iye ndokumuka maŋgwanani, ndokupisa ɀipiriso ɀinopiswa ɀaiʋariŋganira ʋose; nokuti Jobo wakati: Ɀimŋe ʋanakomana ʋaŋgu ʋakatadza, ʋakashoʋora Mŋari pamŋoyo yaʋo; Jobo waisiɗaro ŋguʋa dzose.
Jobho 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)