Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 7:37-39 - Compare All Versions

Johani 7:37-39 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa. Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.

Pakurirana nevamwe
Johani 7 BDSC

Johani 7:37-39 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. ‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ” Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa.

Pakurirana nevamwe
Johani 7 SNA2002

Johani 7:37-39 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino nezuʋa rokupedzisira, zuʋa guru romutambo, Jesu wakamira, akaɗanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ŋgaaʋuye kwandiri, anwe. Unotenda kwandiri, seɀaɀakarebga noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzicayerera dzicibva mukati make. Asi iɀi wakareʋa ɀoMŋeya, waizopiwa aʋo ʋaitenda kwaari, nokuti Mŋeya wakaŋga usati waʋa’po, nokuti Jesu wakaŋga asati akudzwa.

Pakurirana nevamwe
Johani 7 SUB1949

Johani 7:37-39 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe. Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.” Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake.

Pakurirana nevamwe
Johani 7 SCLB

Johani 7:37-39 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Johani 7 SCLBD