Johani 6:53-59
Johani 6:53-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
Johani 6:53-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. “Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.
Johani 6:53-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu.
Johani 6:53-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari. Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni. Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi. Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume.
Johani 6:53-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)