Johani 6:44-45 - Compare All Versions
Johani 6:44-45 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
Johani 6:44-45 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri.
Johani 6:44-45 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’
Johani 6:44-45 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri.
Johani 6:44-45 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)