Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:4-19 - Compare All Versions

Johani 4:4-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu. Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?” (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.) Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.) Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?” Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.” Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.” Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume. Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.” Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.

Pakurirana nevamwe
Johani 4 BDSC

Johani 4:4-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akanga achifanira kupfuura neSamaria. Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa. Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu. Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve. Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.” Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ “Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita.

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SNA2002

Johani 4:4-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Wakaŋga acifanira kupfuʋura neSamaria. Ɀino akaȿika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nenyika yakaŋga yapa Jakobo mŋanakomana wake Josefa. Tsime raJakobo rakaŋga riri’po. Ɀino Jesu aneta nokufamba, ndokuŋgogara ɀake patsime. Yaiʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Ɀino mumŋe mukadzi weSamaria akaȿika’po kuzocera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeiʋo, ndinwe. Nokuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda muguta kundoteŋga ɀokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu. Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko? Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo? Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe. Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzoʋa nenyota, kana kuʋuya kucera pano. Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume. Nokuti watoʋa naʋarume ʋashanu; uyo, waunaye ɀino, haazi murume wako; apo wareʋa ɀokwaɗi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoʋona kuti muri muprofita.

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SUB1949

Johani 4:4-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Aifanira kutopfuura nomuSamaria. Nezvo akasvika nomuguta reSamaria rinonzi Sukari riri pedyo nomunda wakapa Jakobho kuna Josefi mwana wake. Ipapo paiva netsime raJakobho naizvozvo Jesu zvaakanga aneta nerwendo rwake akagara pedyo netsime iroro. Yakanga iri nguva yokunge zuva rorova panhongonya. Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.” Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.” Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’

Pakurirana nevamwe
Johani 4 SCLB

Johani 4:4-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Johani 4 SCLBD