Johani 3:5-7
Johani 3:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’
Johani 3:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva.
Johani 3:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva.
Johani 3:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa.
Johani 3:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)