Johani 3:31-32
Johani 3:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.
Johani 3:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; noanobva panyika ndowenyika, anotaura zvenyika; anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira kupupura kwake.
Johani 3:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iye anobva kumusoro ari pamusoro pavose. Wapanyika ndewapanyika uye anotaura nezvapanyika; uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira.
Johani 3:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unobva kumsoro ndiye uri pamsoro paʋose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura ɀenyika; unobva kuɗeŋga ndiye uri pamsoro paʋose. Ɀaakaʋona neɀaakanzwa, ndiɀo ɀaanopupura; asi hakunomunhu unogamucira kupupura kwake.
Johani 3:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)