Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:26-30 - Compare All Versions

Johani 3:26-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vakauya kuna Johani vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Munhu anongogamuchira chete zvaanenge apiwa zvichibva kudenga. Imi pachenyu mungandipupurira kuti ndakati, ‘Ini handisini Kristu, asi ndakatumwa mberi kwake.’ Mwenga ndowechikomba. Shamwari inoshandira chikomba inomira ichimunzwa uye inozara nomufaro painonzwa inzwi rechikomba. Mufaro uyo ndowangu, uye iye zvino wakwana. Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.

Pakurirana nevamwe
Johani 3 BDSC

Johani 3:26-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.” Johani akapindura, akati, “Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga. Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati, ‘Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.’ Ano mwenga ndiye muwani; asi shamwari yemuwani inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nezwi romuwani. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika. Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.”

Pakurirana nevamwe
Johani 3 SNA2002

Johani 3:26-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋakaʋuya kunaJohane, ʋakati kwaari: Rabi, uya waiʋa nemi mhiri kwaJoridani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobapatidza, ʋuye ʋose ʋanoʋuya kwaari. Johane akapindura, akati: Munhu haaŋgagamuciri cinhu, kana asina‐kucipiwa cicibva kuɗeŋga. Imi mumene muŋgandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumŋa pamberi pake. Unomŋeŋga ndico cikomba; asi shamŋari yecikomba inomira icimunzwa, inofara ɀikuru nenzwi recikomba. Naiɀoɀo kufara kwaŋgu uku kwazadzika. Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kuɗukupiswa.

Pakurirana nevamwe
Johani 3 SUB1949

Johani 3:26-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Hakuna munhu angawane chinhu kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga. “Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake. “Mwenga achichata ndewemuwani. Shamwari yomuwani inomira ichiteerera achitaura; inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani. Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba. Iye anofanira kukwirira ini ndinofanira kuderera.

Pakurirana nevamwe
Johani 3 SCLB

Johani 3:26-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Johani 3 SCLBD