Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:1-21

Johani 3:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimasi, nhengo yedare ravaJudha raitonga. Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.” Nikodhimasi akati, “Zvingaitika seiko izvi?” Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi? Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu. Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga? Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu. Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.” Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu. “Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga? “Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga. Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ” Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti, “Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai haunzwisisi zvinhu izvi sei? Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri tinotaura zvatinoziva uye tinopupura zvatakaona asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga. Hapana akambokwira kudenga kusiya iye akaburuka achibva kudenga, mwanakomana womunhu.” Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye. Anotenda maari haapihwi mhosva asi asingatendi maari atova nemhosva nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwechete oga waMwari. Mhosva yacho ndeyiyi yokuti chiedza chakauya pasi pano asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti munhu wose anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye kuchiedza kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena. Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza kuti zvionekwe pachena kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kwaiʋa’po mumŋe waʋaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru waʋaJuda. Iye akaʋuya kwaari ʋusiku, akati kwaari: Rabi, tinoziʋa kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMŋari; nokuti hakunomunhu unogona kuita ɀiratidzo iɀoɀo ɀamunoita, kana Mŋari asi naye. Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari. Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa. Mhepo inovuvuta painoɗa napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauziʋi painobva napainoenda; mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa noMŋeya wakaɗaro. Nikodimo akapindura, akati kwaari: Ɀinhu iɀi ɀiŋgagoitwa seiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi waʋaIsraeri, haunzwisisi ɀinhu iɀoɀi here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Tinotaura ɀatinoziʋa, tinopupura ɀatakaʋona; asi imi hamugamuciri kupupura kweɗu. Kana ndakakuʋudzai ɀinhu ɀenyika, mukasatenda, muŋgagotenda seiko, kana ndicikuʋudzai ɀinhu ɀokuɗeŋga? Hakunomunhu wakakwira kuɗeŋga, asi iye wakaɓuruka kuɗeŋga, iye Mŋanakomana womunhu. Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo, kuti aninani unotenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. Unotenda kwaari, haatoŋgwi; asi usiŋgatendi kwaari, watotoŋgwa, nokuti haana‐kutenda kuzita roMŋanakomana waMŋari wakaɓerekwa mumŋe woga. Kutoŋgwa ndokuku, kuti ciedza cakaȿika panyika, asi ʋanhu ʋakaɗa rima kupfuʋura ciedza, nokuti maɓasa aʋo akaŋga akaipa. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoita ɀakaipa, unoʋeŋga ciedza, haaʋuyi paciedza, kuti maɓasa ake arege kuɓuɗiswa pacena. Asi unoita ɀokwaɗi, unoʋuya paciedza, kuti maɓasa ake aʋonekwe, kuti akaitwa munaMŋari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 3

Johani 3:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)