Johani 21:16 - Compare All Versions
Johani 21:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”
Johani 21:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaarizve rwechipiri, “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Chengeta makwai angu.”
Johani 21:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akati kwaari ɀe rwecipiri: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Ceŋgeta makwai aŋgu.
Johani 21:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
Johani 21:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”