Johani 21:12-14
Johani 21:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe. Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo. Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
Johani 21:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe. Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa, akavapa, nehovewo saizvozvo. Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.
Johani 21:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi. Jesu akauya akatora chingwa ndokuchipa kwavari uye akaita zvimwechetezvo nehove. Aka, kakanga kava kechitatu Jesu achizvionesa kuvadzidzi vake mushure mokunge amutswa muvafi.
Johani 21:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai, muȿuȿure. Kwakaŋga kusinomumŋe waʋadzidzi ʋake wakatsuŋga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Ʋaciziʋa kuti ndiyeShe. Ɀino Jesu akaenda, akatora ciŋgwa, akaʋapa, nehoʋe ʋo saiɀoɀo. Urwu rwaiʋa rwecitatu, Jesu rwaakaɀiratidza kuʋadzidzi ʋake amuka kuʋakafa.
Johani 21:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)