Johani 2:13-22
Johani 2:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?” Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.” VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?” Asi temberi yaaireva waiva muviri wake. Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.
Johani 2:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yababa vangu imba yokutengesera.” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Putsai temberi iyi, ini ndichaimutsazve namazuva matatu.” Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?” Asi iye akanga achireva temberi yomuviri wake. Zvino akati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka, kuti akanga areva izvozvo; vakatenda Rugwaro neshoko rakanga rarehwa naJesu.
Johani 2:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.” VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.” Jesu akavapindura achiti, “Pazai Temberi iyi, ini ndigoivakazve namazuva matatu.” VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?” Asi Temberi yaaitaura waiva muviri wake. Saizvozvo paakamutswa muvafi vadzidzi vake vakarangarira kuti akambozvitaura vakatenda chinyorwa nezwi rakanga rataurwa naJesu.
Johani 2:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo; ɀino Jesu akakwira Jerusarema. Akawana mutembere ʋaiteŋgesa ŋombe namakwai nenjiʋa, naʋaitsinhanha mari, ʋagere’mo. Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo. Akati kunaʋaiteŋgesa njiʋa: Bvisai ɀinhu iɀoɀo muno; musaita imba yaƂaɓa ʋaŋgu imba yokuteŋgesera. Ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira kuti kwakanyorwa, kucinzi: Kushiŋgairira imba yenyu kucandipedza. Ɀino ʋaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Uŋgatiratidza ciratidzo ceiko, ɀaunoita ɀinhu iɀoɀo? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Putsai tembere iyi, ini ndicaimutsa ɀe namazuʋa matatu. Ɀino ʋaJuda ʋakati: Tembere iyi yakaʋakwa namakore anamakumi manna namatanhatu, ɀino iwe uŋgaimutsa namazuʋa matatu here? Asi iye wakaŋga acireʋa tembere yomuʋiri wake Ɀino wakati amutswa kuʋakafa, ʋadzidzi ʋake ʋakaraŋgarira, kuti wakaŋga areʋa iɀoɀo; ʋakatenda Rugwaro neshoko rakaŋga rarebga naJesu.
Johani 2:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)