Johani 18:35-36
Johani 18:35-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?” Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”
Johani 18:35-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?” Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.”
Johani 18:35-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.”
Johani 18:35-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko? Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano.
Johani 18:35-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)