Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:1-40

Johani 18:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake akayambuka Mupata weKidhironi. Parutivi penzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?” Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Akapamhazve kuvabvunza achiti, “Ndianiko wamunoda?” Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.” Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.” Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.) Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?” Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.” Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto. Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake. Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande. Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.” Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?” Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?” Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru. Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.” Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?” Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira. Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika. Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?” Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.” Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.” Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe. Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?” Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?” Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.” Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.” Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu. Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo. Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?” Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo. Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.” Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi. Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?” Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro. Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose. Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.” Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto. Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda. “Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.” Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?” Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, mupristi mukuru. Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.” Mumwe muranda womupristi mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?” Petirosi akarambazve. Pakarepo jongwe rikarira. Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika. Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati, “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?” Vakapindura, vakati kwaari, “Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.” Zvino Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu;” kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako. Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura, akati, “Unozvireva izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?” Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?” Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.” Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akati kwaari, “Chokwadi chinyiko?” Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari, “Ini handiwani mhosva kwaari. Asi imi mune tsika kuti ndikusunungurirei mumwe nePasika; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” Ipapo vakadanidzira vose, vachiti, “Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakapedza kutaura izvi akabuda navadzidzi vake akayambukira kumhiri kwekakova Kedhironi kwaiva nebindu raakapinda navadzidzi vake. NaJudhasi, uya akazomumupandukira aizivawo nzvimbo iyoyo, nokuti Jesu aipota achiungana navadzidzi vake ikoko. Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi. Jesu akavabvunzazve akati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Ivo vakati, “Jesu weNazareti.” Jesu akavapindura achiti, “Inga wani ndakutaurirai kuti Ndini. Kana muri kutsvaka ini chiregai ava vaende zvavo.” Izvi zvaizadzisa zvaakanga ataura achiti, “Pane vamakandipa hapana wandakarasikirwa naye.” Zvino Simoni Pita akanga aine bakatwa akabva ariti wee muhara maraiva ndokutema nzeve yorudyi yomuranda womupristi mukuru akaidimura. Zita romuranda wacho rainzi Marikosi. Jesu akati kuna Pita, “Dzorera bakatwa rako muhara maro. Handifaniri here ini kunwa mukombe wenhamo wandakapiwa naBaba vangu?” Chikwata chamasoja chiya nomutungamiri wacho namapurisa avaJudha chakabata Jesu chikamusunga. Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu. Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto. Mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvavadzidzi vake uye nezvedzidziso cyake. Jesu akamupindura achiti, “Inga ndaitaura pachena kupasi pose, ndaidzidzisa mumasinagogu nomuTemberi munounganwa navaJudha vose. Hapana chandakataura pachivande. Ko munobvunzirei ini. Dai matobvunza zvenyu vakandinzwa ndichitaura kwavari. Ivo vanoziva zvandaireva kwavari.” Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?” Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?” Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru. Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza. Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei? Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?” Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jesu wakati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗa naʋadzidzi ʋake, akaenda mhiri kworukoʋa runonzi Kedroni, paiʋa nomunda, akapinda mauri, iye naʋadzidzi ʋake. Ɀino Judasi, wakamupandukira, wakaŋga aciziʋa ʋo nɀimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiʋuŋgana’po naʋadzidzi ʋake. Naiɀoɀo Judasi akatora ɓoka raʋarwi, naʋatariri, ʋaibva kuʋaprista ʋakuru naʋaFarise, akaenda’po nemŋenje namazhenje, neɀokurwa naɀo. Ɀino Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa ɀose ɀaifanira kumuwira, akaɓuɗa, akati kwaʋari: Munotȿaka aniko? Ʋakamupindura, ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akati kwaʋari: Ndini. NaJudasi, wakamupandukira, wakaŋga amire ʋo naʋo. Ɀino wakati areʋa kwaʋari, aciti: Ndini, ʋakasuɗurukira shure, ʋakawira pasi. Ɀino akaʋabvunza ɀe, aciti: Munotȿaka aniko? Ʋakati: Jesu weNazareta. Jesu akapindura, akati: Ndakuʋudzai, kuti ndini. Kana mucinditȿaka ini, regai aʋa ʋaende; kuti shoko, raakareʋa, riitike, rokuti: Handina‐kurashikirwa nomumŋe kunaiʋaʋo ʋamakandipa. Ɀino Simoni Petro, wakaŋga anomunondo, akauvomora, akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi. Ɀino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naƂaɓa, handiŋgaunwi here? Ɀino ɓoka raʋarwi, nomukuru wecuru cezana, naʋatariri ʋaʋaJuda ʋakaɓata Jesu, ʋakamusuŋga, ʋakataŋga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakaŋga ari mukarabga waKayafasi, waiʋa muprista mukuru gore iro. Ɀino Kayafasi ndiye wakaŋga apa ʋaJuda zano, kuti ɀirinani kuti munhu mumŋe afire ʋanhu. Ɀino Simoni Petro wakaŋga aciteʋera Jesu, nomumŋe mudzidzi ʋo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruʋazhe rwomuprista mukuru. Asi Petro wakaŋga amire panze pamukoʋa. Ɀino uya mumŋe mudzidzi, waizikanwa nomuprista mukuru, akaɓuɗa, akataura nomurindi womukoʋa, akapinza Petro. Ɀino musikana, wairinda mukoʋa, akati kunaPetro: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋomunhu uyu here? Akati: Handizati. Ɀino ʋaranda naʋatariri ʋakaŋga ʋamire’po, ʋamboʋesa mŋoto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; ʋakadziya mŋoto. NaPetro akamira ʋo naʋo acidziya mŋoto. Ɀino muprista mukuru akabvunza Jesu ɀaʋadzidzi ʋake, neɀokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pacena kunyika; ndaidzidzisa ŋguʋa dzose mumasinagoge nomutembere, panoʋuŋgana ʋaJuda ʋose; handina‐kureʋa cinhu pakaʋanda. Munondibvunzireiko ini? bvunzai aʋa ʋainzwa ɀandaitaura kwaʋari; tarirai, aʋa ʋanoziʋa ɀandaireʋa. Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai? Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko? Ɀino Anasi akamutumira akasuŋgwa kunaKayafasi, muprista mukuru. Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati. Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here? Petro akaramba ɀe. Pakarepo joŋgwe rikarira. Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka. Ipapo Pirato akaɓuɗira kwaʋari, akati: Munoti, munhu uyu unemhoȿa yeiko? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƌai munhu uyu asaiʋa mutadzi, tiŋgaɗai tisina‐kumuisa kwamuri. Ɀino Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumutoŋge nomurairo wenyu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Hatina‐kutenderwa isu kuti tiʋuraye munhu; kuti shoko raJesu raakareʋa riitike, aciɗudzira kufa kwaaifanira kufa nako. Ɀino Pirato akapinda ɀe mumba momuɓati, akaɗana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akapindura, akati: Unoɀireʋa iɀi pacako here, kana waɀiʋudzwa naʋamŋe pamsoro paŋgu? Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJuda su? Rudzi rwako naʋaprista ʋakuru ʋakakuisa kwandiri; waiteiko? Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano. Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu. Pirato akati kwaari: Ɀokwaɗi cinyiko? Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗira ɀe kuʋaJuda, akati kwaʋari: Ini handiwani mhoȿa kwaari. Asi imi munetsika kuti ndikusunuŋgurirei mumŋe nepaseka; ɀino munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei mambo waʋaJuda here? Ipapo ʋakaɗanidzira ʋose, ʋaciti: Munhu uyu kwete, asi Barabasi! Ɀino Barabasi wakaŋga ari gororo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 18

Johani 18:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)