Johani 16:12-15
Johani 16:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
Johani 16:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino. “Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo. Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo.
Johani 16:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai asi parizvino hamungakwanisani nazvo. Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya. Achandiwanisa mukurumbira achitora zvandinotaura achizvitaura kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu, ndokusaka ndati achatora zvandinenge ndataura achikutaurirai.
Johani 16:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kukuʋudzai; asi hamugoni kuɀigamucira ɀino. Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya. Ucandikudza, nokuti ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanaɀo, ndeɀaŋgu; naiɀoɀo ndakati: Ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo.
Johani 16:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)