Johani 15:7-8
Johani 15:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.
Johani 15:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
Johani 15:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa. Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu.
Johani 15:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa. Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu.
Johani 15:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)