Johani 15:4-16
Johani 15:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu. “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
Johani 15:4-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. “Ini ndiri mudzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve. Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu. Kana muchichengeta mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirayiro yababa vangu, ndichigara murudo rwavo. “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini. Handichakuidzii varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa naishe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna baba vangu, ndakakuzivisai izvo. “Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna baba muzita rangu, vakupei icho.
Johani 15:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita. Kana munhu asingagari mandiri akaita sebazi rakadimburwa, rinouna. Mapazi akadai anounganidzwa okandwa mumoto opiswa. Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa. Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu. Sokundida kwakaita Baba ndokukudaiwo kwandakaita. Rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mitemo yangu, mucharamba muri murudo neni sokuchengetawo kwandakaita mitemo yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo. Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokuudzai. Handicharamba ndichikutii varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake asi ndava kukutii shamwari nokuti ndakakuzivisai zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu. Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.
Johani 15:4-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri. Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu. Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe. Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa. Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu. Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu. Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo. Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi. Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake. Im muri hama dzaŋgu, kana muciita ɀandinokurairai ini. Handicakuidziyi ʋaranda; nokuti muranda haaziʋi ɀinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti ɀose ɀandakanzwa kunaƂaɓa ʋaŋgu, ndakakuziʋisai iɀo. Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico.
Johani 15:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)