Johani 15:16-17
Johani 15:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
Johani 15:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna baba muzita rangu, vakupei icho. “Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane.
Johani 15:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei. Mutemo wandinokutemerai ndouyu wokuti, idanai.
Johani 15:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico. Ndiɀoɀi ɀandinokurairai, kuti muɗane.
Johani 15:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)