Johani 14:6-7
Johani 14:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
Johani 14:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”
Johani 14:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
Johani 14:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona.