Johani 14:18-25
Johani 14:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri. Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.” Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.
Johani 14:18-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. “Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi.
Johani 14:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Handikusiyei muri nherera ndichauyazve kwamuri. Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona. Asi imi muchandiona zvenyu pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu. Ipapo ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri. Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.” Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.” Jesu akamupindura achiti, “Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari toita musha wedu maari. Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti nderaBaba vakandituma. “Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri ndichinemi.
Johani 14:18-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari. Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma. Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi.
Johani 14:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)