Johani 14:1-7
Johani 14:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri. Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.” Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
Johani 14:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”
Johani 14:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo. Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
Johani 14:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo. Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko? Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona.
Johani 14:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)