Johani 13:27-35
Johani 13:27-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,” asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze. Uye hwaiva usiku. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo. “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
Johani 13:27-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” Asi kwakanga kusina mumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, akaziva kuti akareverei izvozvi kwaari. Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.” Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; hwakanga huri usiku. Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’ “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”
Johani 13:27-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakatambira musuva iwoyo Satani akapinda maari Jesu ndokumuti, “Zvauri kuda kuita chikurumidza kuzviita.” Kune vaiva pakudya hapana akaziva kuti akataurirei izvi. Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.” Paakangogamuchira musuva uya akabva abuda pakarepo. Hwakanga hwava husiku. Pakabuda Judhasi, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana womunhu awaniswa mbiri uye maari Mwari anowaniswa mbiri. Kana Mwari awaniswa mbiri maari Mwariwo achamuwanisa mbiri maari iye pachake achibva amuwanisa mbiri iyoyo pakarepo. Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka, asi sezvandakataurira vaJudha, ndizvowo zvandinokutaurirai kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako. Asi ndinokupai mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai kwandakaita, imi idanaiwo. Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana.”
Johani 13:27-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye wakati agamucira cimeɗu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Ɀaunoita, ita ucikurumidza. Asi kwakaŋga kusinomumŋe kunaʋakaŋga ʋagere naye pakudya, wakaziʋa kuti wakareʋerei iɀoɀi kwaari. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu. Iye akati agamucira cimeɗu, akaɓuɗa pakarepo; bgakaŋga bguri ʋusiku. Ɀino wakati aɓuɗa, Jesu akati: Ɀino Mŋanakomana womunhu wakudzwa, naMŋari wakudzwa maari; kana Mŋari akudzwa maari, Mŋari ucamukudza iye maari, ucamukudza pakarepo. Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo. Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo. Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu.
Johani 13:27-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)