Johani 13:13-15
Johani 13:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.
Johani 13:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.
Johani 13:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai.
Johani 13:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye. Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini.
Johani 13:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)