Johani 12:9-11
Johani 12:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa. Saka vaprista vakuru vakaronga kuurayawo naRazaro, nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.
Johani 12:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.
Johani 12:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu.
Johani 12:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋokuʋaJuda ʋakanzwa kuti uri’po; ʋakaʋuya, asi haʋana‐kuʋuya nokuɗa kwaJesu ɓedzi, asi kuti ʋaʋone ʋo Razaro, waakaŋga amutsa kuʋakafa. Asi ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana kuti ʋaʋuraye naRazaro ʋo, nokuti nokuɗa kwake ʋaJuda ʋazhinji ʋakaŋga ʋacibva kwaʋari, ʋacitenda kunaJesu.
Johani 12:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)