Johani 10:14-18
Johani 10:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
Johani 10:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. “Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.”
Johani 10:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
Johani 10:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini, Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu. Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe. Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe. Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu.
Johani 10:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)