Johani 10:10-11
Johani 10:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10Johani 10:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10Johani 10:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10