Johani 1:29-32
Johani 1:29-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.
Johani 1:29-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.” Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake.
Johani 1:29-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari.
Johani 1:29-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika. Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri. Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake.
Johani 1:29-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)