Johani 1:1-18 - Compare All Versions
Johani 1:1-18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
Johani 1:1-18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari. Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi. Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ” Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. Hakuna munhu akatongoona Mwari; mwanakomana akabereka ari mumwe oga, ari pachifuva chababa, ndiye akamuzivisa isu.
Johani 1:1-18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Pakutaŋga Shoko rakaŋga riri’po, Shoko rakaŋga riri kunaMŋari, Shoko rakaŋga riri Mŋari. Ireri pakutaŋga rakaŋga riri kunaMŋari. Ɀinhu ɀose ɀakaitwa naye; kunze kwake hakuna‐kuitwa kunyaŋge cinhu cimŋe cakaitwa. Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu. Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda. Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane. Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye. Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika. Wakaŋga ari panyika, asi nyika haina‐kumuziʋa. Wakaʋuya kuneɀake, asi ʋanhu ʋake haʋana‐kumugamucira. Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake; aʋo ʋasina‐kuɓerekwa neropa, kana nokuɗa kwenyama, kana nokuɗa kwomurume, asi naMŋari. Shoko rakazoʋa nyama, rikagara pakati peɗu, (tikaʋona kubginya kwake, kubginya sokwowakaɓerekwa mumŋe cete waƂaɓa), azere nenyasha neɀokwaɗi. Johane akamupupurira, akaɗanidzira, aciti: Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Uyo, unoʋuya shure kwaŋgu, wakaʋa’po mberi kwaŋgu; nokuti wakanditaŋgira. Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha. Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, nyasha neɀokwaɗi ɀakaʋuya naJesu Kristu. Hakunomunhu wakatoŋgoʋona Mŋari; Mŋari wakaɓerekwa ari mumŋe woga, uri pacifuʋa caƂaɓa, ndiye wakamuziʋisa isu.
Johani 1:1-18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira. Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano. 10 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. Akauya kunyika yokwake vokwake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari. Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba. 15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu.
Johani 1:1-18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)