Jeremia 9:3-9
Jeremia 9:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavanatsa uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu? Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo. Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?”
Jeremia 9:3-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vanokunga marimi avo, sezvavanoita huta hwavo, kuzoreva nhema; vasimba panyika, asi havaiti nezvokwadi; nokuti vanoramba vachingoita zvakaipa, havandizivi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Mumwe nomumwe ngaachenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imwe neimwe ichanyengera, nowokwake mumwe nomumwe uchapota-pota ana makuhwa. Mumwe nomumwe uchanyengera wokwake, haangarevi zvokwadi; vakadzidzisa marimi avo kureva nhema, vanozvinetsa nokuita zvakaipa. “Hugaro hwenyu huri pakati pokunyengera; vanoramba kundiziva nokunyengera kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, “Tarirai, ndichanyausa nokuvaidza; nokuti ndingaita seiko pamusoro pomukunda wavanhu vangu? Marimi avo miseve inouraya, anoreva zvinonyengera; munhu unoreva zvorugare kuno wokwake nomuromo wake, asi mumwoyo make unovandira. Ko handingavarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko mweya wangu haungatsihwi parudzi rwakadai here?”
Jeremia 9:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Vanokunga rurimi rwavo souta, chavanosimbirira munyika muno manyepo chete, kwete chokwadi nokuti vanoenda kundotutsira uipi pamusoro pohumwe uye havandizivi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Munhu wose ngaachenjerere mumwe wake, arege kuvimba kana nehama zvayo, nokuti hama ipi neipi zvayo inonyengedza inonyengedza uchitora nzvimbo dzavamwe nokubata vanhu kumeso vose zvavo vangova vanazimwaya. Munhu wose anonyengedza mumwe wake, hapana anotaura chokwadi. Vakajaidza rurimi rwavo kutaura manyepo, vachitoita zvavo zvakaipa. Zvokutendeuka zvava kuvanetsa vachidzvinyirira vanhu vadzvinyirirazve, vachiita unyengedzi pamusoro pohumwe hunyengedzi, vasingadi kundiziva; ndizvo zviri kureva Tenzi. Ndokusaka zvichinzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiona, ndichavachenesa ndivaedze nokuti chimwe chandingaite chii chaizvo pamusana pavanhu vangu. Rurimi rwavo, museve unouraya, runotaura zvokunyengedza. Nomuromo uyu munhu anonyatsokurukurirana nomumwe wake zvakanaka asi mumwoyo make anenge achitoronga zvokumuhwandira. “Pakadai, ndingarege kuvarangira zvinhu izvozvi here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwavanhu vakadai ava?
Jeremia 9:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanokuŋga marimi aʋo, seɀaʋanoita ʋuta bgaʋo, kuzoreʋa nhema; ʋasimba panyika, asi haʋaiti neɀokwaɗi; nokuti ʋanoramba ʋaciŋgoita ɀakaipa, haʋandiziʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Mumŋe nomumŋe ŋgaacenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imŋe neimŋe icanyeŋgera, nowokwake mumŋe nomumŋe ucapota‐pota anamakuhwa. Mumŋe nomumŋe ucanyeŋgera wokwake, haaŋgareʋi ɀokwaɗi; ʋakadzidzisa marimi aʋo kureʋa nhema, ʋanoɀinetsa nokuita ɀakaipa. Ʋugaro bgenyu ʋuri pakati pokunyeŋgera; ʋanoramba kundiziʋa nokunyeŋgera kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaʋanyausa nokuʋaidza; nokuti ndiŋgaita seiko pamsoro pomukunda waʋanhu ʋaŋgu? Marimi aʋo miseʋe inoʋuraya, anoreʋa ɀinonyeŋgera; munhu unoreʋa ɀorugare kunowokwake nomuromo wake, asi mumŋoyo make unomuʋandira. Ko handiŋgaʋaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko mŋeya waŋgu hauŋgatsibgi parudzi rwakaɗai here?
Jeremia 9:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)