Jeremia 9:25-26
Jeremia 9:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete, Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”
Jeremia 9:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, andicharova vose vakadzingiswa pakati pokusadzingiswa kwavo; vanoti; Ijipiti, naJudha, naEdhomu, navana vaAmoni, naMoabhu, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye vose veimba yaIsiraeri havana kudzingiswa pamwoyo yavo.”
Jeremia 9:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andicharanga vose zvavo vanozviti vakadzingiswa asi ivo vasina kudzingiswa-venyika yeIjipiti nokwaJudha neEdhomu navanakomana vokwaAmoni nevekwaMoabhu uye vose zvavo vagere mugwenga vanovevura makona evhudzi ravo nokuti ndudzi dzose idzodzi ndedzavanhu vasina kudzingiswa. Asi vose zvavo vemba yaIsiraeri, mumwoyo'mu ndimo mavasina kudzingiswa.”
Jeremia 9:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa anoʋuya, andicaroʋa ʋose ʋakadziŋgiswa pakati pokusadziŋgiswa kwaʋo; ʋanoti; Egipita, naJuda, naEdomi, naʋana ʋaAmoni, naMoabi, naʋose ʋakaʋeʋurwa vudzi raʋo kumatiʋi, ʋanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana‐kudziŋgiswa, ʋuye ʋose ʋeimba yaIsraeri haʋana‐kudziŋgiswa pamŋoyo yaʋo.
Jeremia 9:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)