Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 8:9 - Compare All Versions

Jeremia 8:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 BDSC

Jeremia 8:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SNA2002

Jeremia 8:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Vangwaru vachanyadziswa, vachapazamiswa musoro nazvo vachibva vabatwa. Hezvika, vakaramba shoko raTenzi; zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi?

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SCLBD

Jeremia 8:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋanhu ʋakacenjera ʋakanyadziswa, ʋakavunduka nokuɓatwa; tarirai, ʋakaramba shoko raJehova, ɀino ʋanenjere dzakaɗiniko?

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SUB1949

Jeremia 8:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Vangwaru vachanyadziswa, vachapazamiswa musoro nazvo vachibva vabatwa. Hezvika, vakaramba shoko raTenzi; zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi?

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SCLB