Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 8:6 - Compare All Versions

Jeremia 8:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 BDSC

Jeremia 8:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndakaterera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SNA2002

Jeremia 8:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndakarerekera nzeve ndichiteerera, asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo. Hakuna anopfidza uipi hwake achidemba achiti, ‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’ Munhu wose yangova njakenjake sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo richipinda muhondo.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SCLBD

Jeremia 8:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndakaterera, ndikanzwa, asi haʋana‐kutaura ɀakarurama; hakunomunhu unocema kuipa kwake, aciti: Ndaiteiko? Mumŋe nomumŋe unotsauka nenzira yake, sebiza rinomhanya kwaɀo pakurwa.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 8 SUB1949

Jeremia 8:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Jeremia 8 SCLB