Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 50:6 - Compare All Versions

Jeremia 50:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 BDSC

Jeremia 50:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SNA2002

Jeremia 50:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SCLBD

Jeremia 50:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋanhu ʋaŋgu akaŋga ari makwai akarashika, ʋafudzi ʋaʋo ʋakaʋarashisa, ʋakaʋatsausira kumakomo, ʋakafamba ʋacibva kumakomo ʋacienda kuɀikomo, ʋakakaŋganwa nɀimbo yaʋo yokuzorora.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SUB1949

Jeremia 50:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SCLB