Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 50:20 - Compare All Versions

Jeremia 50:20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 BDSC

Jeremia 50:20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SNA2002

Jeremia 50:20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SCLBD

Jeremia 50:20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Namazuʋa iwayo neŋguʋa iyo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀakaipa ɀaIsraeri ɀicatȿakwa, asi haɀiŋgaʋi’po, neɀiʋi ɀaJuda, asi haɀiŋgawanikwi; nokuti ndicakaŋganwira ʋandakasiya.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SUB1949

Jeremia 50:20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 50 SCLB