Jeremia 5:7
Jeremia 5:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 5Jeremia 5:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvipfeve vachiita mapoka.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 5Jeremia 5:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndingagokuregererai seiko? Vana venyu vakandifuratira vakatopika zvavo navasiri vamwari. “Pandaivapa chokudya vachiguta ivo ndopavakaita upombwe vachiunganidzana kudzimba dzepfambi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 5