Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 44:18 - Compare All Versions

Jeremia 44:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 44 BDSC

Jeremia 44:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 44 SNA2002

Jeremia 44:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 44 SCLBD

Jeremia 44:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi kubvira paŋguʋa yatakarega kupisira ʋahosi ʋokuɗeŋga ɀinonhuwira, nokuʋaɗururira ɀipiriso ɀinoɗururwa, takashaiwa ɀose, tikapedzwa nomunondo nenzara.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 44 SUB1949

Jeremia 44:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 44 SCLB