Jeremia 42:1-22
Jeremia 42:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete. Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.” Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.” Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa naJehovha kuzotiudza. Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.” Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia. Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu: ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu. Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake. Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’ “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu, uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’ zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako, ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko. Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’ Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Sokudururwa kwakaitwa hasha dzangu nokutsamwa kwangu pamusoro peavo vaigara muJerusarema, saizvozvo kutsamwa kwangu kuchadururirwa pamusoro penyu kana maenda kuIjipiti. Muchava chinhu chinotukwa nechinosemwa, nechinomhurwa, nokuzvidzwa; hamuchazombooni nzvimbo ino zvakare.’ “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’ Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi. Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”
Jeremia 42:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakuru vose vehondo, naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera, vakati kumuporofita Jeremiya, “Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu), kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita.” Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, “Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.” Ipapo vakati kuna Jeremiya, “Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu. Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichaterera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiterera inzwi raJehovha Mwari wedu.” Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya. Ipapo akadana Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake. ‘Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakutirai.’ “Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake. Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu. Asi kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ saizvozvo musingatereri inzwi raJehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Kwete, tichaenda kunyika yeIjipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;’ naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vakasara vaJudha, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Ijipiti, kundogarako muri vatorwa; ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeIjipiti; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paIjipiti, ndipapo pamuchandofira. Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.’ “Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Ijipiti; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.’ “Jehovha wakataura pamusoro penyu, imi vakasara vaJudha, achiti, ‘Regai kuenda Ijipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.’ Nokuti makanyengera mweya yenyu; nokuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.’ Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuterera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri. Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.”
Jeremia 42:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vatungamiriri vose vehondo dzavarwi naJohanani mwanakomana waKarea naJezaniya mwanakomana waHoshaya pamwechete navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye vakaenda kumuporofita Jeremiya vakati kwaari, “Inzwaiwo chichemo chedu mutinamatire kuna Tenzi, Mwari wenyu muchinyengeterera chitsama chavose vakasara ichi (nokuti tangosara tava vashomanana pavazhinji vaya sokutiona kwamuri kungoita nameso enyu) kuitira kuti Tenzi Mwari wenyu atiratidzewo gwara ratinofanira kutevedza uye nezvatinofanira kuti tiite.” Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.” Ivo ndokuti kuna Jeremiya, “Dai Tenzi angova chapupu chechokwadi chakatendeka kwatiri kana isu tikarega kuita zvose zvinenge zvarehwa naTenzi akutumai kwatiri. Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.” Kuzoti kwapera gumi ramazuva shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya. Iye akabva adaidza Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vehondo dzavarwi vaiva naye navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri kuya kwamakandituma kundosvitsa chichemo chenyu: ‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai. Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make. Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’ “Asi kana imi mukati, ‘Hatisi kuda kuramba tiri munyika,’ muchiramba kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu muchiti henyu, ‘Kwete isu tichaenda kunyika yeIjipiti kwatisingazoonizve hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kunyange nenzara yechokudya ndokwatichandogara ikoko,’ nezvo imi chitsama chakasara chevokwaJudha chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Kana mukava nepfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, bakatwa ramuri kutya richakuwirai ikoko munyika yeIjipiti makaremo, neshangwa yenzara yacho yamuri kuzeza ichatsviriridza kusonana nemi kuIjipiti mufire ikoko. Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’ “Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Sokuviruka kwandakaita ndatsamwa nehasha ndikadziwodzvorera pavagari veJerusaremu, ndokuwodzvorera kwandichakuitirai hasha dzangu kana mukangoenda kuIjipiti. Muchava sendove chinhu chinokatyamadza chine rushamba chiseko zvacho. Nzvimbo ino hamuzombofa makaionazve.’ “Imi chitsama chakasara chovokwaJudha Tenzi ati kwamuri, ‘Regai kuenda kuIjipiti.’ Nyatsozivai kuti nhasi uno ndakuyambirai kuti uku ndokutorasika kwamava kutoita muchida kuzviurayisa henyu. Handiti makandituma kuna Tenzi, Mwari wenyu muchiti, ‘Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu, uye chose zvacho chinenge charehwa naTenzi Mwari wedu tiudze tigozviita.’ Zvino ini nhasi uno ndakutaurirai. Asi imi hamuna kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu, pazvinhu zvose zvaakandituma kuzokutaurirai. Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.”
Jeremia 42:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, naJohanani mŋanakomana waKarea naJezania mŋanakomana waHoshaia, naʋanhu ʋose kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, ʋakasweɗera, ʋakati kumuprofita Jeremia: Tinokumbira kuti munyeŋgetero weɗu uȿitswe pamberi penyu, mutinyeŋgeterere kunaJehova Mŋari wenyu, munyeŋgeterere aʋa ʋose ʋakasara (nokuti takasara tiri ʋashoma kunaʋaiʋa ʋazhinji, seɀamunotiʋona nameso enyu), kuti Jehova Mŋari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo necinhu catinofanira kuita. Ipapo muprofita Jeremia akati kwaʋari: Ndakunzwai; tarirai, ndicanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wenyu seɀamakareʋa namashoko enyu; ɀino cinhu cipi necipi camunopindurwa naJehova, ndicakuziʋisai ico, handiŋgatoŋgokuʋanziriyi cinhu. Ipapo ʋakati kunaJeremia: Jehova ŋgaaʋe capupu caɀokwaɗi cakatendeka pakati peɗu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumŋa nawo kwatiri naJehova Mŋari wenyu. Kana riciŋge rakanaka, kana riciŋge rakaipa, ticaterera inzwi raJehova Mŋari weɗu, watinokutumirai kwaari; kuti tiʋe nomufaro, kana ticiterera inzwi raJehova Mŋari weɗu. Ɀino mazuʋa anegumi akati apera, shoko raJehova rikaȿika kunaJeremia. Ipapo akaɗana Johanani mŋanakomana waKarea naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye naʋanhu ʋose, kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndiȿitse munyeŋgetero wenyu pamberi pake: Kana muciŋge mucaɗa kugara munyika ino, ini ndicakuʋakai, handiŋgakukoromoriyi, ndicakusimai, handiŋgakudzuriyi; nokuti ndinoɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakakuitirai. Musatya henyu mambo weBabironi, iye wamunotya; musamutya henyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruʋoko rwake. Ndicakunzwirai nyasha, kuti iye aʋe nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu. Asi kana mukati: Hatiɗi kugara munyika ino, saiɀoɀo musiŋgatereri inzwi raJehova Mŋari wenyu, muciti: Kwete, ticaenda kunyika yeEgipita, kwatisiŋgazoʋoni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yeɀokudya, ticandogara’ko; naiɀoɀo ɀino cinzwai shoko raJehova, imi ʋakasara ʋaJuda: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Kana muciramba makarinzira ɀiso ɀenyu kuti muende Egipita, kundogara’ko muri ʋatorwa; ipapo munondo wamunotya ucakuɓatai’po panyika yeEgipita; nenzara yamunotya icakuteʋererai kwaɀo paEgipita, ndipapo pamucandofira. Ndiɀo ɀicaitirwa ʋarume ʋose ʋanorinzira ɀiso ɀaʋo kuti ʋaende Egipita, kundogara’ko ʋari ʋatorwa; ʋacafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha; hakunomumŋe waʋo ucasara kana kupukunyuka paɀakaipa ɀandicaʋuyisa pamsoro paʋo. Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Kutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu seɀaɀakaɗururwa pamsoro paʋagere Jerusarema, saiɀoɀo hasha dzaŋgu dzicaɗururwa pamsoro penyu, kana mucipinda Egipita; mucaʋa cinhu cinotukwa, necishamiso, necinomhurwa, necinoshoʋorwa; nenɀimbo ino hamuŋgazoiʋoni ɀe. Jehova wakataura pamsoro penyu, imi ʋakasara ʋaJuda, aciti: Regai kuenda Egipita; ziʋai kwaɀo kuti ndakakupupurirai nhasi. Nokuti makanyeŋgera mŋeya yenyu; nokuti makanditumira kunaJehova Mŋari wenyu, muciti: Tinyeŋgetererei kunaJehova Mŋari weɗu, ɀose ɀicarebga naJehova Mŋari weɗu, mutiziʋise iɀoɀo, ticaɀiita. Ɀino nhasi ndakuziʋisai iɀoɀo, asi hamuna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wenyu pacinhu cimŋe caakanditumira naco kwamuri. Naiɀoɀo ɀino ziʋai kwaɀo kuti mucafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa panɀimbo iyo yamunoɗa kuenda kwairi kundogara’ko muri ʋatorwa.
Jeremia 42:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)