Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 38:1-28

Jeremia 38:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati, “Zvanzi naJehovha: ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; achararama.’ Zvakare, zvanzi naJehovha: ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ” Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.” Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.” Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikiya, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka. Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini, Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavaita kumuprofita Jeremia. Vamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.” Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo munobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.” Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba. Ebhedhi-Mereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo, ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.” Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.” Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko eavo vanotsvaka kukuuraya.” Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama. Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ” Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.” Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa. Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha. Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’ “Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.” Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti ungafa. Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’ ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’ ” Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo. Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 38

Jeremia 38:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.’ ” “Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.’ ” Ipapo machinda akati kuna mambo, “Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.” Mambo Zedhekia ndokuti, “Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.” Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope. Zvino muItiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini). Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti, “Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.” Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, “Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.” Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chepfuma, akatorapo mamvemve nenguo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya. MuItiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, “Zvino chiisai mamvemve awa nenguo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi mamabote.” Jeremiya akaita saizvozvo. Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, “Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.” Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditereri.” Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyerere, akati, “NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.” Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.’ Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.” Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, “Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.” Asi Jeremiya wakati, “Havangakusiyi kwavari. Chitererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama. Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha, ‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi;’ zvino vakadzi avo vachati, ‘Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai; zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.’ Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.” Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, “Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi. “Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, ‘Chitizivisa zvino zvawaudza mambo; usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.’ “Ipapo uti kwavari, ‘Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.’ ” Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa. Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 38

Jeremia 38:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, uye Gedhariya mwanakomana waPashuru uyewo Jukari mwanakomana waSheremiya pamwechete naPashuri mwanakomana waMarikiya, pavakanzwa mashoko aJeremiya aaitaurira vanhu vose okuti, “Zvanzi naTenzi anenge agara muguta rino achafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda asi anenge abuda achindozvipereka kuvaKaridhea achararama. Achapunyuka noupenyu hwake. Zvanzi naTenzi, guta rino iri richaiswa mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi richibva ratorwa.” Machinda aya akati kuna mambo, “Madii kuuraya munhu uyu nokuti ari kurukutisa maoko avarwi vasara muguta rino achirukutisawo maoko avanhu vose nokuvataurira mazwi akadaro. Chiripo ndechokuti murume uyu haasi kuda kuti zvinhu zvifambire vanhu ava zvakanaka asi kuti zvivaipire.” Mambo Zedhekiya akati, “Inga wani ari mumaoko menyu nokuti mambo hapana chaangaite chinopesana nemi.” Ipapo vakatora Jeremiya vakamukanda mumugodhi waMarikiya mwanakomana wamambo. Mugodhi iwoyo waiva munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Vakaita zvokudzikisa Jeremiya netambo. Mumugodhi imomo makanga musisina mvura asi mangove madhaka chete ndokubva Jeremiya anyura mumadhaka imomo. Mumwe munhu wokuItiopia muyuniki anonzi Ebhedhimereki aiva mumuzinda wamambo paakanzwa zvichinzi vakanda Jeremiya mumugodhi, izvozvo mambo aiva padare kuSuo Guru rokwaBhenjamini, Ebhedhimereki akabuda mumuzinda wamambo akasvikoti kuna mambo, “Changamire wangu mambo, varume ava vaita chinhu chakaipa kwazvo pazvinhu zvose zvazvo zvavaita kuno muporofita Jeremiya nokumukanda kwavamuita mumugodhi. Jeremiya achafira imomo nenzara nokuti hapasisina kana chingwa chasara muguta muno.” Mambo ndokutuma Ebhedhimereki, munhu wokuItiopia achiti, “Chitora varume vatatu pano apa uende navo kundoburitsa muporofita Jeremiya mumugodhi macho asati afa.” Ebhedhimereki akabvawo atora varume akaenda navo mumuzinda wamambo. Vakasvika muwodhirobu mumba maichengeterwa zvinhu; vakatoramo mamvemve namarengenya embatya aakadzikisa netambo pasi paiva naJeremiya mumugodhi. Ebhedhimereki munhu wokuItiopia uya akati kuna Jeremiya, “Isa mamvemve namarengenya ayo muhapwa dzako, pakati pehapwa dzako netambo.” Jeremiya akaita saizvozvowo. Ivo ndokubva vakweva Jeremiya netambo vakamuburitsa mumugodhi muya. Jeremiya akaramba ari munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Mambo Zedhekiya akatumira nhume kundodaidza muporofita Jeremiya akabva andochingamidzana naye kumusuo wetatu wokupinda muTemberi yaTenzi. Mambo akati kuna Jeremiya, “Ndava kukubvunza mubvunzo, iwe rega kundivanzira kana chinhu zvacho.” Jeremiya akapindura Zedhekiya achiti, “Kana ndikakutaurirai chokwadi hamuzondiuraya here? Kunyange ndikakurumai nzeve hamumbofa makandinzwa.” Mambo Zedhekiya ndokupika mhiko muchivande kuna Jeremiya yokuti, “NaTenzi mupenyu chaiye, musiki wemweya yedu, handisi kuzokuuraya kana kukuturira mumaoko avarume ava vanovavarira kukupfuudza upenyu.” Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, kana mukaita zvokuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi uye guta rino iri harizopiswa nomoto uyewo imi nemba yenyu muchararama. Asi kana mukarega henyu kuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi zvichaita kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vacharipisa nomoto. Imi hamuzombopunyuki mumaoko mavo.” Mambo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ndiri kutya vaJudha vakatizira kuvaKaridhea ndingazongoiswa mumaoko avo vakandionesa nhamo.” Jeremiya ndokuti, “Hamusi kuzoiswa mumaoko mavo! Chingoteererai zvenyu izwi raTenzi pane zvandiri kukutaurirai kuitira kuti zvikunakirei. Uye muchasiyiwa muri mupenyu. Asi kana mukaramba kuita zvokuzvipereka henyuka, hechinoi chiratidzo chandaoneswa naTenzi. Ndinoona vakadzi vose zvavo vachibva mumuzinda wamambo wokwaJudha vachibudwa navo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi vachiti, “ShaMwari dzako dzawaivimba nadzo dzakakunyengedza dzikakwanisa. Zvino wachiti makumbo tindindi kunyura mudhaka ivo vakakufuratira kusiya. “Madzimai enyu ose navanakomana venyu vachaendwa navo kuvaKaridhea, imiwo hamusi kuzopunyuka. Asi muchatobatwa namambo weBhabhironi uye guta rino richapiswa nomoto.” Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya, “Rega kuva newaunozozivisa hurukuro iyoyi nezvo kufa, hauzofa. Kana machinda akanzwa kuti ndakurukura newe, akauya kwauri achiti, ‘Tiudzeiwo zvawataura kuna mambo nezvawazotaurirwawo namambo. Rega kana kuva nechaunotivanzira, isu hatizokuuraya,’ uti kwavari, ‘Ndakasvitsa chichemo changu kuna mambo ndichiteterera kuti varege kundidzosera kumba kwaJonatani ndirege kufirako.’ ” Machinda ose akazouyawo kuna Jeremiya vakamubvumunza, iye akavapindura sokunyeverwa kwaakanga aitwa namambo. Ipapo vakabva varega kutaura naye nokuti hurukuro iyoyo yakanga isina wamboinzwa. Izvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo kudzamara musi wakazotorwa Jerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 38

Jeremia 38:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Shefatia mŋanakomana waMatani, naGedaria mŋanakomana waPashuri, naJukari mŋanakomana waSheremia, naPashuri mŋanakomana waMarkija, ʋakanzwa mashoko akataurwa naJeremia kuʋanhu ʋose, aciti: Ɀanzi naJehova: Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa, asi unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu cakapambga, ucararama. Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo guta rino ricaiswa mumaʋoko ehondo yamambo weBabironi, iye ucarikunda. Ipapo macinda akati kunamambo: Tinokumbira kuti munhu uyu aʋurawe, nokuti unoshaisa simba maʋoko aʋarwi ʋakasara muguta rino, namaʋoko aʋanhu ʋose nokutaura kwake mashoko akaɗai kwaʋari; nokuti munhu uyu haatȿaki mufaro waʋanhu aʋa asi kuti ʋaʋe nenjodzi. Mambo Zedekia ndokuti: Tarirai, uri pamaʋoko enyu, nokuti mambo haaŋgaiti cinhu camusiŋgaɗi. Ipapo ʋakatora Jeremia, ʋakamukandira mugomba raMarkija mŋanakomana wamambo, rakaŋga riri muruʋazhe rwaʋarindi; ʋakaɓurusa Jeremia namaɓote. Mugomba makaŋga musinemvura asi matope; Jeremia akanyura mumatope. Ɀino muEtiopia Ebedi‐mereki, waiʋa muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti ʋakaisa Jeremia mugomba (ɀino mambo wakaŋga agere musuʋo raBenjamini), Ebedi‐mereki akaɓuɗa mumba mamambo, akataura namambo, aciti: Ishe waŋgu mambo, ʋanhu aʋa ʋakaita ɀakaipa paɀose ɀaʋakaitira muprofita Jeremia, waʋakakandira mugomba; ɀino iye uneŋge ucafira panɀimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakucineciŋgwa muguta. Ipapo mambo akaraira muEtiopia Ebedi‐mereki, akati: Tora pano ʋanhu ʋanamakumi matatu, undoɓuɗisa muprofita Jeremia mugomba asati afa. Ipapo Ebedi‐mereki akatora ʋanhu iʋaʋo, akaenda naʋo mumba mamambo pasi peciʋigiro cefuma, akatora’po mamvemve neŋguʋo dzakasakara, akaɀiɓurusira namaɓote mugomba kunaJeremia. MuEtiopia Ebedi‐mereki akati kunaJeremia: Ɀino ciisai mamvemve awa neŋguʋo dzakasakara muhapxa dzenyu munyasi mamaɓote. Jeremia akaita saiɀoɀo. Naiɀoɀo ʋakakwidza Jeremia namaɓote, ʋakamuɓuɗisa mugomba, Jeremia akagara muruʋazhe rwaʋarindi. Ipapo mambo Zedekia akatuma nhume akaʋuyisa muprofita Jeremia kwaari pamukoʋa wecitatu uri mumba maJehova; mambo akati kunaJeremia: Ndicakubvunza shoko; usandiʋanzira cinhu. Ipapo Jeremia akati kunaZedekia: Kana ndikakuziʋisai iɀoɀo, hamuŋgatoŋgondiʋurayi here? Kana ndikakupai zano, hamuŋganditereri. Naiɀoɀo mambo Zedekia wakapikira Jeremia cinyerere, akati: NaJehova mupenyu, wakatipa ʋupenyu ubgu, handiŋgakuʋurayi, kana kukuisa mumaʋoko aʋanhu aʋa ʋanotȿaka kukuʋuraya. Ipapo Jeremia akati kunaZedekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri: Kana mukatenda kuenda kumacinda amambo weBabironi, mŋeya wenyu ucararama, neguta rino hariŋgapiswi nomŋoto; imi mucararama, neimba yenyu. Asi kana mukaramba kuenda kumacinda amambo weBabironi, ipapo guta rino ricaiswa mumaʋoko aʋaKardea, iʋo ʋacaripisa nomŋoto, nemi hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo. Ipapo mambo Zedekia akati kunaJeremia: Ndinotya ʋaJuda, ʋakatishandukira ʋakaenda kuʋaKardea, ɀimŋe ʋaŋgandiisa mumaʋoko aʋo, iʋo ʋakandiseka. Asi Jeremia wakati: Haʋaŋgakuisiyi kwaʋari. Citererai henyu inzwi raJehova, seɀandinokuʋudzai; ipapo mucaʋa nomufaro, nomŋeya wenyu ucararama. Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziʋiswa naJehova: Tarirai, ʋakadzi ʋose ʋakasara mumba mamambo waJuda, ʋacaɓuɗisirwa kumacinda amambo weBabironi; ɀino ʋakadzi aʋo ʋacati: Shamŋari dzenyu dzinoɗikanwa nemi ndidzo dzakakunyeŋgerai, dzikakukundai; ɀino tsoka dzenyu ɀadzanyura mumatope, ʋokufuratirai. Ʋacaɓuɗisira ʋakadzi ʋenyu ʋose naʋana ʋenyu kuʋaKardea; nemi ʋo hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo asi mucaɓatwa noruʋoko rwamambo weBabironi; imi mucapisisa guta rino nomŋoto. Ipapo Zedekia akati kunaJeremia: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋiswa mashoko awa, ipapo iwe hauŋgaʋurawi. Asi kana macinda akanzwa kuti ndakataura newe, ʋakaʋuya kwauri, ʋaciti: Citiziʋisa ɀino ɀawaʋudza mambo; usatiʋanzira iɀoɀo, isu tigosakuʋuraya; ʋuye ʋo ɀose ɀawakaʋudzwa namambo; ipapo uti kwaʋari: Ndakaȿitsa munyeŋgetero waŋgu kunamambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifire’ko. Ɀino macinda ose akaʋuya kunaJeremia, akamubvunza, akaʋaʋudza mashoko awa ose seɀakaŋga ɀarairwa namambo. Naiɀoɀo ʋakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakaŋga risina‐kuzikanwa. Naiɀoɀo Jeremia wakaramba agere muruʋazhe rwaʋarindi kuȿikira zuʋa rakakundwa Jerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 38

Jeremia 38:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)