Jeremia 32:39-40
Jeremia 32:39-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri.
Jeremia 32:39-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichavapa mwoyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera. Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
Jeremia 32:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichavapa mwoyo mumwechete nenzira imwechete kuitira kuti vagonditya narini wose kuti zvivanakire ivo zvichizonakirawo vana vavo vachauya mushure mavo. Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira.
Jeremia 32:39-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe nenzira imŋe, kuti ʋanditye nokusiŋgaperi, ʋaitirwe ɀakanaka iʋo, naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera. Ndicaita naʋo suŋgano isiŋgaperi, handiŋgadzoki pakuʋateʋera kuti ndiʋaitire ɀakanaka; ndicaisa kutya mumŋoyo yaʋo kuti ʋanditye, kuti ʋarege kuzotsauka kwandiri.
Jeremia 32:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)