Jeremia 3:13-14
Jeremia 3:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
Jeremia 3:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Zioni.’
Jeremia 3:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chako iwe chete, bvuma uipi hwako kuti wakapandukira Tenzi, Mwari wako ukatoti zvako mwarara kurasira makomborero ako kuvamwari vasivo pasi pomuti wose zvawo wakasvibira ubvumewo kuti wakarega kuteerera izwi rangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi. “Zvanzi naTenzi dzokai imi vana vasina kutendeka nokuti ini ndini tenzi wenyu. Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete, mumhuri iyi ndichitora vaviri, ndozokuunzai kuguta reZioni.
Jeremia 3:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi muziʋe ɀakaipa ɀenyu ɓedzi, kuti makaɗarikira Jehova Mŋari wenyu, mukafambafamba muciteʋera ʋatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀanzi naJehova: Dzokai imi ʋana ʋokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndicakutorai, mumŋe paguta rimŋe, ʋaʋiri parudzi rumŋe, ndicikuisai Zioni.
Jeremia 3:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)