Jeremia 29:11-18
Jeremia 29:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.” Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,” asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa, hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi. Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira.
Jeremia 29:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro. Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomwoyo wenyu wose. Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai. “Zvamakati, ‘Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;’ zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pakutapwa kwenyu; zvanzi naJehovha wehondo, ‘Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo. Ndichateverera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira
Jeremia 29:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Pamusana pokuti imi mava kuti Tenzi azotimutsira vaporofita muBhabhironi, hezvinoi zviri kutaura Tenzi nezvamambo agere pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye nezvevanhu vose vagere muguta rino ivo hama dzenyu dzisina kuenda nemi kuutapwa. Tenzi wehondo nehondo anoti, ‘Regai muone, ndava kuvatumira bakatwa neshangwa yenzara nedenda. Uye ndivaite samaonde akaora kwazvo aipa zvokuti haadyiki.’ Ndichavaronda nebakatwa neshangwa yenzara nedenda ndichiita kuti vave chinhu chinotyisa kunyika dzose dzapasi pano charengererwa rushambwa chinodederwa, chinoridzirwa tsamwa nechiseko zvacho mukati memarudzi kwandakavadzingira
Jeremia 29:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai. Ɀamakati: Jehova wakatimutsira ʋaprofita paBabironi; ɀanzi naJehova pamsoro pamambo ugere pacigaro coʋushe caDavidi, napamsoro paʋanhu ʋose ʋagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina‐kuenda nemi pakutapxa kwenyu; ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicatuma pamsoro paʋo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndicaʋaita samaʋonde akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo. Ndicaʋateʋerera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndicaʋaita cinhu cinotyisa ʋushe bgose bgenyika, ʋaʋe cinhu cinotukwa, necishamiso, necinoridzirwa muridzo, necinoshoʋorwa pakati pamarudzi ose kwandakaʋadziŋgira
Jeremia 29:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)