Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 25:1-14

Jeremia 25:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shoko rakauya kuna Jeremia pamusoro pavanhu vose veJudha mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, iro rakanga riri gore rokutanga raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. Saka Jeremia muprofita akati kuvanhu vose veJudha nokuna vose vaigara muJerusarema: Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera. Uye kunyange Jehovha akatuma varanda vake kwamuri ivo vaprofita nguva nenguva, imi hamuna kuteerera kana kurereka nzeve dzenyu. Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi. Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire uye muvanamate; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.” “Asi imi hamuna kunditeerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye makanditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu, mukaita kuti zvakaipa zvikuwirei.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Nemhaka yokuti hamuna kuteerera mashoko angu, ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi. Ndichabvisa pakati pavo manzwi okupembera nomufaro, namanzwi emwenga neechikomba, nenzwi reguyo nechiedza chemwenje. Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe. “Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaiita dongo nokusingaperi. Ndichauyisa pamusoro penyika iyo zvinhu zvose zvandakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri nezvakaprofitwa naJeremia pamusoro pendudzi dzose. Ivo pachavo vachatapwa nendudzi zhinji namadzimambo makuru; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo uye namabasa emaoko avo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 25

Jeremia 25:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti, “Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuterera. Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imi hamuna kuterera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, vachiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi; regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.’ “Asi hamuna kunditerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa. “Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu, tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi. Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje. Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso; marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe. “Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi. Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose. “Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 25

Jeremia 25:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shoko iri rakauya kuna Jeremiya rakananga kuvanhu vokwaJudha vose zvavo, muri mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha. (Iroro ndiro gore raiva rechiposhi rokutonga kwaNebhukadhireza mambo weBhabhironi.) Muporofita Jeremiya akataura kuvanhu vose vokwaJudha nokuvagari vose veJerusaremu shoko irori rokuti, “Kwamakore makumi maviri namatatu, kubvira pagore regumi nechitatu rokutonga kwaJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha kusvikira pari nhasi, shoko raTenzi ranga richingouya kwandiri ini ndichirambawo ndichikutaurirai, asi imi hamuna kuteerera. Makaramba kuteerera kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, kunyange Tenzi akaramba achingokutumirai varanda vake vaporofita achiti, ‘Chitodzokai izvozvi munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa netwakaipa twaanobata mugogara munyika iyi yamakapiwa imi namadzibaba enyu kubvira kare kare nokusingaperi. Regai kutevera vamwe vamwari kundovashandira kana kuvanamata kana kundishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu. Kana madaro iniwo handizokukuvadzai.’ Asi hamuna imi kunditeerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi, kuti imimi mungadaro mukandishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu zvikazokukuvadzai. “Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, zvamakarega kuteerera mashoko angu, chinzwai, ‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho. Uyewo ndichagumisa mukati mavo chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho kana kurira kwemakuyo nemwenje werambi.’ “Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore. Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose. Ndichaita kuti nyika iyoyo iwirwe nezvose zvakabva pamuromo pangu zvichinangana nayo, zvose zvakanyorwa mubhuku rino zvakaporofitwa naJeremiya zvichinangana namarudzi evanhu ose zvawo. “Zvichavapo ndezvokuti ndudzi zhinji namadzimambo makuru chaiwo achatovaita varanda kunyange ivo. Ini ndichavapa zvinofambirana nezviito zvavo uye namabasa avanoita namaoko avo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 25

Jeremia 25:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shoko, rakaʋuya kunaJeremia pamsoro paʋanhu ʋose ʋaJuda, negore recinna raJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda; ndiro gore rokutaŋga raNebukadrezari mambo weBabironi, iro rakataurwa nomuprofita Jeremia kuʋanhu ʋose ʋaJuda, naʋose ʋagere Jerusarema, aciti: Kubva pagore regumi namatatu raJosia mŋanakomana waAmoni, mambo waʋaJuda, kuȿikira pazuʋa rino, makore awa anamakumi maʋiri namatatu, shoko raJehova raiʋuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndicimuka maŋgwanani, ndicitaura; asi imi hamuna‐kuterera. Jehova wakatuma kwamuri ʋaranda ʋake ʋose ʋaprofita, acimuka maŋgwanani, aciʋatuma, asi imi hamuna‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzenyu kuti munzwe, ʋaciti: Dzokai ɀino mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, napaɀakaipa ɀamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu, kubva kare nakare kuȿikira pakusiŋgaperi; regai kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti muʋashumire, nokuʋanamata, murege kunditsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu; ini ndigorega kukuitirai ɀakaipa. Asi hamuna‐kunditerera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti munditsamŋise namaɓasa amaʋoko enyu, muitirwe ɀakaipa. Naiɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ɀamusina‐kunzwa mashoko aŋgu, tarirai, ndicatuma shoko kumarudzi ose ari kurutiʋi rwokumsoro, ndiʋaʋuyise, nokunaNebukadrezari mambo weBabironi, muranda waŋgu, ndiʋaʋuyise ʋarwe nenyika ino, naʋagere’mo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndicaʋaparadza cose, nokuʋaita cishamiso, necinoridzirwa muridzo, namatoŋgo nokusiŋgaperi. Ndicabvisa ʋo kwaʋari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi recikomba, nenzwi romŋeŋga, nenzwi ramakuyo, neciedza comŋenje. Nyika ino yose ricaʋa ɗoŋgo, necishamiso; marudzi awa acaɓatira mambo weBabironi makore anamakumi manomŋe. Ɀino kana makore anamakumi manomŋe apera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa mambo weBabironi, norudzi urwo pamsoro peɀakaipa ɀaʋo, nenyika yaʋaKardea; ndicaiita matoŋgo nokusiŋgaperi. Ndicaʋuyisa pamsoro penyika iyo mashoko aŋgu ose andakataura pamsoro payo, ɀose ɀakanyorwa mubuku iyi, ɀakaprofitiwa naJeremia pamsoro pamarudzi ose. Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru ʋacaʋasuŋga iʋo ʋamene ʋaʋe ʋaranda ʋaʋo; ini ndicaʋaripira ɀakaenzana nokuɓata kwaʋo, neɀakaenzana neɓasa ramaʋoko aʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 25

Jeremia 25:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)