Jeremia 24:6 - Compare All Versions
Jeremia 24:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri.
Jeremia 24:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndichavatarira nameso angu nomwoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
Jeremia 24:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndichazoramba ndakaisa ziso rangu pavari kuitira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavadzosera kunyika ino. Ndichavadyara ndisingazovadzipuri, ndichavasima ndisingavadzipuri.
Jeremia 24:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ndicaʋatarira nameso aŋgu nomŋoyo wakanaka, ndiʋadzosere ɀe kunyika ino; ndicaʋaʋaka, handiŋgaʋakoromori; ndicaʋasima, handiŋgaʋadzuri.
Jeremia 24:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichazoramba ndakaisa ziso rangu pavari kuitira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavadzosera kunyika ino. Ndichavadyara ndisingazovadzipuri, ndichavasima ndisingavadzipuri.