Jeremia 22:13 - Compare All Versions
Jeremia 22:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.
Jeremia 22:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake
Jeremia 22:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ane nhamo munhu anovaka imba yake nokusarurama, dzimba dzake dzemunhurikidzwa achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo achiita kuti mumwe amushandire pasina, asina kana chaanomutambirisa
Jeremia 22:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Unenhamo iye unoʋaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumsoro aciita ɀisakarurama; unoɓatisa wokwake asiŋgamupi cinhu, asiŋgamupi muɓairo wokuɓata kwake
Jeremia 22:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ane nhamo munhu anovaka imba yake nokusarurama, dzimba dzake dzemunhurikidzwa achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo achiita kuti mumwe amushandire pasina, asina kana chaanomutambirisa