Jeremia 22:1-9 - Compare All Versions
Jeremia 22:1-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya. Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino. Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo. Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ” Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha: “Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri, wakaita somusoro weRebhanoni, zvirokwazvo ndichakuita segwenga, semaguta asingagarwi. Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu, mumwe nomumwe nezvombo zvake, uye vachatema matanda enyu emisidhari akanaka vagoakanda mumoto. “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’ Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata uye vakashumira vamwe vamwari.’ ”
Jeremia 22:1-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri, uti, ‘Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuo awa.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.’ Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomwoyo wose, pamasuo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake. Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Uri Gireadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.’ Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto. Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, ‘Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?’ “Ipapo vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.’ ”
Jeremia 22:1-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvanzi naTenzi, “Dzika kumba yamambo wokwaJudha undotaurako shoko iri rokuti: ‘Iwe mambo wokwaJudha ugere pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi, iwe namakurukota ako navanhu vako vanopinda napamisuo mikuru iyi, zvanzi naTenzi. Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’ Ndinodaro nokuti mukanyatsoteerera chaizvo shoko irori, pamisuo mikuru yemba ino iyi pachazopinda madzimambo achazogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vari mungoro dzehondo napamabhiza, ivo namakurukota avo navanhu vavo. Asi kana mukarega kuteerera mazwi aya, zvanzi naTenzi, ndinopika neni pachangu kuti imba ino ichava dongo, nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti: “Kwandiri ini, iwe unoyevedza senyika yokwaGireadhi kudai uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro, guta risina ageremo. Ndichavarongera mharadzi dzokuvapadza imwe neimwe nezvombo zvayo zvehondo. Dzichatemera pasi iyo misidhari yako yakaisvonaka vagoikanda mumoto. “Marudzi avanhu akawanda achadarika napaguta irori, munhu wose achitaurirana nomumwe wake achiti, ‘Tenzi akadarirei chaizvo kubva aita chinhu chakadai kuguta iri rakakura sezvizvi?’ Ipapo vachapana mhinduro yokuti, ‘Chikonzero chacho ndechokuti vakafuratira chitenderano chaTenzi, Mwari wavo vakanamata vamwe vamwari vachivashandira.’ ”
Jeremia 22:1-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀanzi naJehova: Ƃurukira kumba kwamambo waJuda, undotaura’po shoko iri, uti: Inzwa shoko raJehova, iwe mambo waJuda, ugere pacigaro coʋushe caDavidi, iwe naʋaranda ʋako, naʋanhu ʋako ʋanopinda napamasuʋo awa. Ɀanzi naJehova: Toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, necirikadzi, regai kuʋaitira ɀisakarurama, regai kuʋaitira nesimba; ʋuye musateʋura ropa risinemhoȿa panɀimbo ino. Nokuti kana muciita cinhu ici nomŋoyo wose, pamasuʋo eimba iyi pacapinda madzimambo, acagara pacigaro coʋushe caDavidi, acifamba neŋgoro nokutaȿa mabiza, iye naʋaranda ʋake naʋanhu ʋake. Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino icaʋa ɗoŋgo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro peimba yamambo waJuda: Uri Gireadi kwandiri, nomusoro weRebanoni; asi ɀirokwaɀo ndicakuita renje, namaguta asiŋgagarwi naʋanhu. Ndicakugadzirira ʋaparadzi, mumŋe nomumŋe anenhumbi dzake dzokurwa; ʋacatema misidari yenyu inoɗikanwa, ʋaciikandira mumŋoto. Marudzi mazhinji aʋanhu acapfuʋura napaguta rino, mumŋe nomumŋe ucati kunowokwake: Jehova wakaitireiko guta rino guru ɀakaɗaro? Ipapo ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya suŋgano yaJehova, Mŋari waʋo, ʋakanamata ʋamŋe ʋamŋari, ʋaciʋashumira.
Jeremia 22:1-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)