Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 20:8-9 - Compare All Versions

Jeremia 20:8-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose. Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 20 BDSC

Jeremia 20:8-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, “Zvinoitwa nesimba nokuparadza!” Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose. Kana ndichiti, “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” ipapo mumwoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 20 SNA2002

Jeremia 20:8-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Nokuti pandinoti nditaure, ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti, “Hecho chisimba noumharadzi!” Nokuti shoko raTenzi rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose. Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 20 SCLBD

Jeremia 20:8-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndoɗanidzira; ndinoɗanidzira, ndiciti: Ɀinoitwa nesimba nokuparadza! nokuti shoko raJehova rakaitwa kwandiri cinhu cinoshoʋorwa, necinhu cinosekwa zuʋa rose. Kana ndiciti: Handicamuraŋgariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumŋoyo maŋgu maʋa somŋoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa aŋgu; ndaneta nokutsuŋgirira, handicagoni.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 20 SUB1949

Jeremia 20:8-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Nokuti pandinoti nditaure, ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti, “Hecho chisimba noumharadzi!” Nokuti shoko raTenzi rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose. Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 20 SCLB