Jeremia 2:2-3 - Compare All Versions
Jeremia 2:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: “ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei uye uchinditevera nomukati merenje, uye nomunyika isina munhu anogaramo. Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 2:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, ‘Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudyarwa. Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 2:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 2:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Jeremia 2:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)