Jeremia 18:18 - Compare All Versions
Jeremia 18:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.”
Jeremia 18:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakati, “Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nokuti murayiro haungashaikwi kumupristi, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
Jeremia 18:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi mutemo hauzofa wakarova kunyange zano kuna vangwaru harimboperi, kana irowo shoko rinobva kumuporofita. Uyai timutape mukanwa, tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura.
Jeremia 18:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo ʋakati: Ʋuyai, tiraŋgane mano akaipa pamsoro paJeremia; nokuti murairo hauŋgashaikwi kumuprista, kana kurairira kunowakacenjera, kana shoko kumuprofita. Ʋuyai, timuroʋe norurimi, tirege kuʋa nehanya nerimŋe ramashoko ake.
Jeremia 18:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)