Jeremia 13:1-27
Jeremia 13:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakanzi naJehovha kwandiri: “Enda unotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, “Tora bhanhire rawakatenga, rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha. Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.” Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema. Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose! Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vemukurumbira wangu, kurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’ “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’ ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichadhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema. Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ” Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri, musazvikudza, nokuti Jehovha ataura. Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu asati auyisa rima, makumbo enyu asati agumburwa pamakomo erima. Munotarisira chiedza, asi iye achachishandura kuti chive mumvuri worufu, uye achachiita rima guru. Asi kana musingateereri, ndichachema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; Meso angu achachema zvikuru, achiyerera misodzi, nokuti boka ramakwai aJehovha richaendeswa kuutapwa. Uti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Burukai pazvigaro zvenyu zvoushe, nokuti korona dzenyu dzokukudzwa dzichawira pasi kubva pamisoro yenyu.” Maguta okuNegevhi achazarirwa, uye hakuna munhu achaazarura. VaJudha vose vachaendeswa kuutapwa, vachaendeswa kure zvachose. Simudza meso ako uone avo vanobva nechokumusoro. Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi, iwo makwai awaizvirumbidza nawo? Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana? Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?” zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka. Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa. “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga. Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema. Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe, upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako, iko kufeva kwako kusina nyadzi! Ndakaona mabasa ako anonyangadza awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda. Une nhamo, iwe Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko?”
Jeremia 13:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha kwandiri, “Enda undozvitengera bhanhire romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usaruisa mumvura.” Ipapo ndakatenga bhanhire, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro. Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, “Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi, undoriviga mumukaha wedombo.” Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi rwaYufuratesi, sezvandakarairwa naJehovha. Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, “Simuka, uende kwaYufuratesi, utorepo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.” Ipapo ndakaenda kwaYufuratesi, ndikachera, ndikatora bhanhire pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhanhire rakanga raora, risina basa chose. Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu. Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemwoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.’ “Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yaIsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuterera. Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;’ zvino ivo vachati kwauri, ‘Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?’ Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapristi navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini. Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva nengoni, kuti ndirege kuvaparadza.’ ” Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nokuti Jehovha wakataura. Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru. Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa. Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Garai pasi-pasi kwazvo, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.” Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unoazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose-chose. “Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rawakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi? Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokuwomukadzi unopona here? Zvino kana ukati mumwoyo mako, ‘Izvozvi zvandiwira neiko?’ Nguo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu. Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa. “Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje. Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama. Saka ndichafukurawo nguo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe. Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufemhedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira riniko?”
Jeremia 13:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akandirayira kuti, “Enda utenge jira romutikisha uusungirire muchiuno mako, asi rega kuunyika mumvura.” Saizvozvo ndakatengawo jira romutikisha maereranowo neshoko raTenzi, ndikarisungira muchiuno mangu. Zvino shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rwechipiri rikati, “Tora jira riya romutikisha rawakatenga rawakasungira muchiuno, mako usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi urivige mumutswe wedombo ikoko.” Saizvozvo ini ndakaenda ndikandoriviga muna Yufuratesi sezvandakaudzwa naTenzi. Mushure memazuva akawanda, Tenzi akati kwandiri, “Chisumuka uende kurwizi rwaYufuratesi undotora ikoko jira romutikisha riya randakati urivige ikoko.” Ipapo ndakaenda kuna Yufuratesi ndikafukura ndikatora jira romutikisha riya paya pandakanga ndariviga onei jira riya ramvungunjika risisina basa. Izwi raTenzi ndoparakauya kwandiri richiti, “Zvanzi naTenzi saizvozvi ndokusakadzawo kwandichaita kuzvikudza kwaJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu. Vanhu vakaipa ivava ava, vanoramba kunzwa zvandinotaura vanoita zvavo musikanzwa vachiita zvomusoro wavo. Vava kushandira vamwe vamwari vachivanamata vachaita sejira irori iri risisina basa. Chiripo ndechokuti sokunyatsobata kunoita jira iroro muchiuno chomunhu ndozvandakaita ini ndikaita kuti imba yose yokwaIsiraeri nemba yose yokwaJudha vanyatsoti kwati kwati neni kuitira kuti ndivewo navanhu uye kuti ndive nezita nomukurumbira nembiri. Asi vakaramba kuteerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvaunofanira kuvataurira ndezvizvi zvokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Chirongo chose chichazadzwa newaini.’ Ivo vachakuti, ‘Ko isu hatizvizivi here kuti chirongo chose chichazadzwa newaini?’ Saka iwe uvataurire kuti, zvanzi naTenzi, ‘Chomochiziva ndechokuti ini ndichararadzisa vagari vose venyika ino, madzimambo anogara pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi navapristi navaporofita navagari veJerusaremu vose.’ Ndichavadhumanisa, madzibaba navana vavo vakomana pamwechete, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handisi kuzovanzwira tsitsi kana kuvarega kana kuvanzwira nyasha kuti ndirege kuvaparadza.” Teererai munzwe, regai kuzvikudza nokuti Tenzi ava kutaura. Ipai mbiri kuna Tenzi, Mwari wenyu asati aunza rima, musati matatarika pamakomo paita karimarima uye pamunotarisira kuwana chiedza, iye ndopaanotoita kuti rive zarima achiita kuti rive rima rakati kwirindindi. Asi kana mukarega kuteerera ndichakuchemai zvangu muchivande pamusana pokuzvikudza kwenyu ndichisvimha misodzi ichimokoteka zvinosiririsa nokuti vedanga raTenzi vatapwa. Udza mambo namambokadzi wake kuti, “Garai pachigaro chakazvidzika nokuti mukurumbira wechiremba chenyu wakutunuka mumusoro. Maguta okuNegevhu azarirwa; hapasisina wokuazarura. Judha yose zvayo yatapwa, yose zvayo yaendwa nawo kuutapwa.” Simudzai musoro muone vanhu vari kubva nokuchamhembe. Varipi vedanga rawakanga wapiwa vedanga rako rinoyevedza. Muchazoti kudii pavanenge ivo vazviita vatungamiriri venyu vamakadzidzisa imi pachenyu kuti vave vashamwari venyu? Hazvizokurwadzai here samarwadzo omukadzi ari pakusununguka? Kana ukazozviti nechomumwoyo zvauya sei kuti ndiwirwe nezvinhu izvozvi izvi? Chadariso, kukombodza kwouipi hwako saka wafukurwa marokwe wavawo kuitirwa zvoutsinye. Ko munhu muEtiopia angasandure ganda rake here kana iyo ingwe mavara ayo? Kana zvakadaro iwewo ungatoitawo zvakanaka iyewe wajairira kuita zvakaipa. Ndichakutii mwarara sehundi iri kupeperetswa nemhepo yokugwenga. Ndochakowo ichochi, mugove wandakukamurirawo ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti wakandikanganwa ukavimba nezvinhu zvenhando. Ini iyeni ndichakufukura marokwe ndikukwidibire uso nawo uonererwe. Ndakaona zvinhu zvako zvandisingade, uye unzenza hwako nokuhwihwidzira somukono webhiza noufeve hwako hwakafumuka pazvikomo musango'mu. Zvichakuwana Jerusaremu! Kusvikira riniko wakangodai kun'ora.
Jeremia 13:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova kwandiri: Enda undoɀiteŋgera banhire romuceka, uɀisuŋge ciʋuno naro; asi usaruisa mumvura. Ipapo ndakateŋga banhire, seɀakarebga neshoko raJehova, ndikaɀisuŋga ciʋuno naro. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Tora banhire rawateŋga, riri paciʋuno cako, usimuke uende kurwizi rwaUfratesi, undoriʋiga mumukaha weɗombo. Ipapo ndakaenda, ndikandoriʋiga parwizi rwaUfratesi, seɀandakarairwa naJehova. Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, Jehova akati kwandiri: Simuka, uende kwaUfratesi, utore’po banhire randakakuraira kuti uriʋige’po. Ipapo ndakaenda kwaUfratesi, ndikacera, ndikatora banhire pandakaŋga ndariʋiga; ɀino tarira, banhire rakaŋga raʋora, risineɓasa cose. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Ɀanzi naJehova: Saiɀoɀo ndicaʋodza kuɀikudza kwaJuda, nokuɀikudza kukuru kweJerusarema. Ʋanhu aʋa ʋakaipa, ʋanoramba kunzwa mashoko aŋgu, ʋanofamba noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti ʋaʋashumire nokuʋanamata, ʋacafanana nebanhire iri, risineɓasa cose. Nokuti banhire seɀarinonamatira paciʋuno comunhu, saiɀoɀo ndakaŋga ndanamatidza imba yaIsraeri yose neimba yaJuda kwandiri, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaŋgu, nembiri yaŋgu, nokurumbidzwa kwaŋgu, nokubginya kwaŋgu; asi ʋakaramba kuterera. Naiɀoɀo unofanira kutaura shoko iri kwaʋari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini; ɀino iʋo ʋacati kwauri: Hatiziʋi kanhi kuti mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini? Ipapo uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ʋose ʋagere munyika ino, iwo madzimambo agere pacigaro coʋushe caDavidi, naʋaprista naʋaprofita, naʋose ʋagere Jerusarema, ndicaʋazadza nokuɓatwa newaini. Ndicaʋagumirisana, madziɓaɓa naʋanakomana ʋaʋo pamŋe cete — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handiŋganzwiri tsitsi, handiŋgaɗariki mumŋe, kana kuʋa neŋgoni, kuti ndirege kuʋaparadza. Inzwai, murerekere nzeʋe; musaɀikudza, nokuti Jehova wakataura. Rumbidzai Jehova, Mŋari wenyu, asati aʋuyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura ciedza camakamirira, akaciita mumvuri worufu, nokuciita rima guru. Asi kana musiŋgaɗi kuɀinzwa, mŋeya waŋgu ucakucema pakaʋanda nokuɗa kwokuɀikudza kwenyu; meso aŋgu acacema kwaɀo, acayerera misodzi, nokuti ɓoka raJehova ratapxa. Iti kunamambo nokunamai ʋamambo: Garai pasi‐pasi kwaɀo, nokuti ɀishoŋgo ɀemisoro yenyu ɀawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu. Maguta okurutiʋi rwezasi akazarirwa, hakuna‐unoazarura; ʋaJuda ʋakatapxa ʋose, ʋakatapxa cose‐cose. Riŋgira meso ako, uʋone ʋanobva kurutiʋi rwokumsoro. Ko ɓoka rawakapiwa, iro ɓoka rako rakanaka kwaɀo, riripi? Ucati kuɗiniko kana aciisa pamsoro pako iʋo ʋawakadzidzisa kuʋa shamŋari dzako ʋaʋe ʋaɓati ʋako? Hauŋgaɓatwi nokurwadziwa sokwomukadzi unopona here? Ɀino kana ukati mumŋoyo mako: Iɀoɀi ɀandiwira neiko? Ŋguʋo dzako dzakafukurwa, neɀitsitsino ɀako ɀakuʋadzwa nemhaka yoʋukuru bgeɀakaipa ɀenyu. Ko muEtiopia uŋgashandura ganda rake, kana iŋgwe maʋara ayo here? Kana ɀaibvira, nemi ʋo maigona kuita ɀakanaka, iyemi makaroʋera kuita ɀakaipa. Saka ndicaʋaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje. Ndiɀo ɀawakagoʋerwa, ndiwo mugoʋe wawakayererwa neni — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti wakandikaŋganwa, ukaʋimba neɀenhema. Saka ndicafukura ʋo ŋguʋo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuʋonekwe. Ndakaʋona kunyaŋgadza kwako, ibgo ʋupombge bgako, nokufemhedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako paɀikomo ɀokuɓundo. Unenhamo, iwe Jerusarema! Unoramba kunatswa; ɀicaɗaro kuȿikira riniko?
Jeremia 13:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)