Jeremia 1:18 - Compare All Versions
Jeremia 1:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika.
Jeremia 1:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapristi vavo, navanhu venyika.
Jeremia 1:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo.
Jeremia 1:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika.
Jeremia 1:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)